Muparidzi 4:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndakatarirazve ndikaona udzvinyiriri hwose hwaiitika pasi pezuva: Ndakaona misodzi yavanodzvinyirirwa, uye havana munyaradzi; simba raiva kudivi ravadzvinyiriri vavo, uye havana munyaradzi.

2. Ndakati vakafa, vakanguri vafa kare, vano mufaro kupfuura vapenyu, vachiri kurarama.

Muparidzi 4