Muparidzi 3:6-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. nguva yokutsvaka nenguva yokurega zvirasike, nguva yokuchengeta nenguva yokurasa;

7. nguva yokubvarura nenguva yokusona, nguva yokunyarara nenguva yokutaura;

8. nguva yokuda nenguva yokuvenga, nguva yehondo nenguva yorugare.

9. Ko, mushandi anowanei kubva mukushanda kwake kwose?

10. Ndakaona mutoro wakapiwa vanhu naMwari.

11. Akaita chinhu chimwe nechimwe chakanaka nenguva yacho. Akaisawo zvisingaperi mumwoyo yavanhu; kunyange zvakadaro havangagoni kunzwisisa zvakaitwa naMwari kubva pakutanga kusvika pakupedzisira.

12. Ndinoziva kuti hakuna chinhu chakanakira munhu kupfuura kuti afare uye kuti aite zvakanaka achiri mupenyu.

Muparidzi 3