Muparidzi 3:17-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Ndakafunga mumwoyo mangu ndikati,“Mwari achatonga vose vakarurama nevakaipa, nokuti pachava nenguva yebasa rimwe nerimwe.”

18. Ndakatizve, “Kana vari vanhu, Mwari anovaedza kuti vaone kuti vakangofanana nemhuka.

19. Zvinoitika kumunhu zvakafanana nezvinoitika kumhuka; zvose zvinoitirwa zvimwe chetezvo: sokufa kunoita chimwe, chimwe chinofawo. Zvose zvinofema mweya mumwe; munhu hapana paanopfuura mhuka. Zvose hazvina maturo.

Muparidzi 3