Muparidzi 10:4-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Kana kutsamwa kwomubati kukakumukira, usabva panzvimbo yako; unyoro hunonyaradza mhosva huru.

5. Kune chinhu chakaipa chandakaona pasi pezuva, kutadza kunobva kuvabati:

6. Mapenzi anoiswa munzvimbo zhinji dzapamusoro, ipapo vapfumi vachitora nzvimbo dzakaderera.

7. Ndakaona varanda vakatasva mabhiza, ipapo machinda achifamba pasi netsoka savaranda.

Muparidzi 10