Muparidzi 10:3-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Kunyange richifamba pamugwagwa, benzi rinoshayiwa njere uye rinoratidza vanhu vose upenzi hwaro.

4. Kana kutsamwa kwomubati kukakumukira, usabva panzvimbo yako; unyoro hunonyaradza mhosva huru.

5. Kune chinhu chakaipa chandakaona pasi pezuva, kutadza kunobva kuvabati:

6. Mapenzi anoiswa munzvimbo zhinji dzapamusoro, ipapo vapfumi vachitora nzvimbo dzakaderera.

7. Ndakaona varanda vakatasva mabhiza, ipapo machinda achifamba pasi netsoka savaranda.

8. Ani naani anochera gomba angangowira mariri; ani naani anopwanya naparusvingo angangorumwa nenyoka.

9. Ani naani anopwanya matombo angangokuvadzwa nawo; ani naani anotsemura matanda angangozviisa panjodzi nawo.

10. Kana demo rakagomara uye rikasarodzwa, panodiwa simba rakawanda, asi unyanzvi hunouyisa kubudirira.

Muparidzi 10