Muparidzi 1:15-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Chakakombamiswa hachingatwasanudzwi; chinoshayikwa hachingaverengwi.

16. Ndakafunga mumwoyo mangu ndikati, “Tarira, ndazviwanira uchenjeri hwakawanda kupfuura vose vakanditangira kutonga muJerusarema; ndava nouchenjeri uye noruzivo rwakawanda.”

17. Ipapo ndakazvipira kutsvaka kunzwisisa uchenjeri uyezve noupengo noupenzi, asi ndakadzidzawo zvakare kuti, naizvozviwo kudzingana nemhepo.

18. Nokuti muuchenjeri huzhinji muno kusuwa kuzhinji; kuwanda kwezivo, kuwandawo kwokuchema.

Muparidzi 1