1. Akati aburuka kubva mugomo, vanhu vazhinji vakamutevera.
2. Mumwe murume aiva namaperembudzi akauya akasvikopfugama paari akati, “Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.”
3. Jesu akatambanudza ruoko rwake akabata murume uya akati, “Ndinoda. Chinatswa!” Pakarepo akabva aporeswa maperembudzi ake.
4. Ipapo Jesu akati kwaari, “Ona kuti hapana waunotaurira uye ugopa chipo chakarayirwa naMozisi sechapupu kwavari.”