Mateo 27:31-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

31. Shure kwokumuseka, vakamupfekedza nguo dzake chaidzo uye vakaenda naye kunomuroverera pamuchinjikwa.

32. Vakati vobuda, vakasangana nomurume aibva kuSairini ainzi Simoni, uye vakamumanikidza kuti atakure muchinjikwa.

33. Vakasvika panzvimbo inonzi Gorokota, (zvinoreva kuti Nzvimbo yeDehenya).

34. Ipapo vakapa Jesu waini yakasanganiswa nenduru, kuti anwe, asi akati airavira akaramba kuinwa.

Mateo 27