Mateo 27:30-39 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

30. Vakamusvipira mate vakamutorera tsvimbo iya uye vakaramba vachimurova nayo musoro.

31. Shure kwokumuseka, vakamupfekedza nguo dzake chaidzo uye vakaenda naye kunomuroverera pamuchinjikwa.

32. Vakati vobuda, vakasangana nomurume aibva kuSairini ainzi Simoni, uye vakamumanikidza kuti atakure muchinjikwa.

33. Vakasvika panzvimbo inonzi Gorokota, (zvinoreva kuti Nzvimbo yeDehenya).

34. Ipapo vakapa Jesu waini yakasanganiswa nenduru, kuti anwe, asi akati airavira akaramba kuinwa.

35. Vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagovana nguo dzake vachiita zvokukanda mijenya.

36. Uye vakagara pasi, vakamurinda.

37. Pamusoro pake vakaisa rugwaro rwemhosva yake rwaiti: “UYU NDIJESU, MAMBO WAVAJUDHA.”

38. Makororo maviri akarovererwawo pamwe chete naye, mumwe kurudyi mumwe kuruboshwe.

39. Vaya vaipfuura napo, vakamutuka vachidzungudza misoro yavo

Mateo 27