Mateo 26:23-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. Jesu akapindura akati, “Munhu aisa ruoko neni mundiro, ndiye achandipandukira

24. Mwanakomana woMunhu achaenda hake sokunyorwa kwazvakaitwa nezvake. Asi ane nhamo munhu uyo anopandukira Mwanakomana woMunhu! Zvingadai zvaiva nani kwaari dai asina kuberekwa.”

25. Zvino Judhasi uyo aizomupandukira akati, “Chokwadi, ndini here, Rabhi?”Jesu akapindura akati, “Hongu, ndiwe.”

26. Vachiri kudya, Jesu akatora chingwa, akavonga akachimedura, uye akapa vadzidzi vake, achiti, “Torai mudye; uyu ndiwo muviri wangu.”

27. Ipapo akatora mukombe, akavonga uye akavapa achiti, “Inwai mose.

28. Iri iropa rangu resungano itsva rinodururirwa vazhinji kuti vagoregererwa zvivi zvavo.

29. Ndinokuudzai kuti, handichazonwi zvibereko zvomuzambiringa kubvira zvino kusvikira zuva iro randichazvinwa patsva nemi muumambo hwaBaba vangu.”

30. Vakati vaimba rwiyo, vakabuda vakaenda kuGomo reMiorivhi.

31. Ipapo Jesu akati kwavari, “Usiku huno imi mose muchatiza nokuti kwakanyorwa kuchinzi:“ ‘Ndicharova mufudzi,boka ramakwai rigopararira.’

32. Asi mushure mokunge ndamuka, ndichafanotungamira kuGarirea.”

Mateo 26