9. “Ipapo muchaiswa kuna vanokutambudzai mugourayiwa, uye muchavengwa nendudzi dzose nokuda kwangu.
10. Panguva iyoyo vazhinji vachadzokera shure kubva pakutenda uye vachamukirana vagovengana,
11. uye vaprofita vazhinji venhema vachamuka uye vachanyengera vanhu vazhinji.
12. Nokuda kwokuwanda kwokusarurama, rudo rwavazhinji ruchatonhora.
13. Asi uyo achatsungirira kusvikira kumagumo, achaponeswa.
14. Uye vhangeri iri roumambo richaparidzwa munyika yose souchapupu kumarudzi ose, ipapo kuguma kuchasvika.
15. “Saka pamunoona ‘nyangadzi yokuparadza’ yakataurwa nomuprofita Dhanieri, imire panzvimbo tsvene, anoverenga nganzwisise,
16. ipapo vari muJudhea ngavatizire kumakomo.
17. Uyo ari padenga reimba yake ngaarege kuburuka kuti andotora chinhu chipi zvacho chiri mumba make.
18. Ari mumunda ngaarege kudzokera kundotora nguo yake.
19. Zvichaoma sei mumazuva iwayo kuvakadzi vane mimba navaya vanoyamwisa!
20. Nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuitika panguva yechando kana nomusi weSabata.
21. Nokuti ipapo pachava nenhamo huru isina kumbovapo kubva pakuvamba kwenyika kusvika zvino uye haizombovapozve.
22. Dai mazuva iwayo asina kutapudzwa, hapana munhu airarama, asi nokuda kwavasanangurwa, mazuva iwayo achatapudzwa.
23. Panguva iyoyo, mukanzwa munhu anoti kwamuri, ‘Tarirai, hoyu Kristu!’ kana kuti, ‘Hoyo Kristu,’ musazvitenda.
24. Nokuti kuchamuka vanaKristu venhema navaprofita venhema avo vachaita zviratidzo nezvishamiso kuti vanyengere kunyange navasanangurwa kana zvichigoneka.