Mateo 24:48-51 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

48. Asi ngatimboti muranda uyo akaipa uye oti mumwoyo make, ‘Tenzi wangu achange asipo kwenguva refu,’

49. uye ipapo iye otanga kurova vamwe varanda uye kudya nokunwa nezvidhakwa.

50. Tenzi womuranda uyo achauya pazuva raasingatarisire napanguva yaasingazivi.

51. Achasvikomugura-gura agomuisa panzvimbo imwe chete navanyengeri apo pachava nokuchema nokurumanya kwameno.

Mateo 24