Mateo 23:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ipapo Jesu akataura kuvanhu vazhinji nokuvadzidzi vake achiti,

2. “Vadzidzisi vomurayiro navaFarisi vagere pachigaro chaMozisi.

3. Saka munofanira kuvateerera muite zvinhu zvose zvavanokuudzai. Asi musaita zvavanoita, nokuti havaiti zvavanoparidza.

4. Vanosunga mitoro inorema voitakudza pamafudzi avanhu, asi ivo pachavo havadi kusimudza munwe kuti vaibvise.

Mateo 23