Mateo 22:34-46 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

34. Vanzwa kuti Jesu akanga akunda vaSadhusi, vaFarisi vakaungana pamwe chete.

35. Mumwe wavo aiva nyanzvi pane zvemirayiro akamuedza nomubvunzo unoti,

36. “Mudzidzisi, ndoupi murayiro mukuru muMurayiro?”

37. Jesu akapindura akati, “ ‘Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose nokufunga kwako kwose.’

38. Uyu ndiwo murayiro mukuru uye wokutanga.

39. Wechipiri wakafanana nawo unoti, ‘Ida muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe.’

40. Murayiro wose naVaprofita zvakabatanidzwa pamirayiro iyi miviri.”

41. VaFarisi pavakanga vachakaungana pamwe chete, Jesu akavabvunza akati,

42. “Munofungei nezvaKristu? Mwana waani?” Vakapindura vachiti, “Mwanakomana waDhavhidhi.”

43. Akati kwavari, “Ko, zvino sei Dhavhidhi achitaura noMweya akamuti, ‘Ishe’? nokuti anoti,

44. “ ‘Ishe akati kuna Ishe wangu: Gara kuruoko rwangu rworudyi, kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako.’ ”

45. “Zvino kana Dhavhidhi achimuti, ‘Ishe’ angagova mwanakomana wake sei?”

46. Hapana akagona kutaura shoko rimwe, uye kubva pazuva iroro zvichienda mberi hapana akazoshinga kumubvunza mimwezve mibvunzo.

Mateo 22