Mateo 22:23-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. Pazuva rimwe chetero vaSadhusi, avo vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakauya kwaari nomubvunzo.

24. Vakati, “Mudzidzisi, Mozisi akatiudza kuti murume akafa asina vana munun'una wake anofanira kuwana chirikadzi agomuberekera vana.

25. Zvino pakati pedu paiva navanakomana vomunhu mumwe vanomwe. Wokutanga akawana mukadzi ndokubva iye afa, uye sezvo akanga asina vana, akasiyira munun'una wake mukadzi.

26. Zvimwe chetezvo zvakaitika kuno wechipiri nowechitatu kusvikira kuno wechinomwe.

27. Pakupedzisira mukadzi akazofawo.

28. Zvino pakumuka kwavakafa, achava mukadzi waaniko pavanomwe vaya sezvo vose vaiva varume vake?”

29. Jesu akavapindura akati, “Ndipo pamunorasika ipapo nokuti hamuzivi Magwaro kana simba raMwari.

30. Pakumuka kwavakafa vanhu havawani kana kuwanikwa, vachange vakaita savatumwa kudenga.

31. Asi pane zvokumuka kwavakafa, hamuna kuverenga here zvakarehwa naMwari kwamuri, achiti,

32. ‘Ndini Mwari waAbhurahama naMwari waIsaka naMwari waJakhobho’? Haasi Mwari wavakafa asi wavapenyu.”

33. Vanhu vazhinji vakati vanzwa izvi, vakashamiswa nokudzidzisa kwake.

34. Vanzwa kuti Jesu akanga akunda vaSadhusi, vaFarisi vakaungana pamwe chete.

Mateo 22