Mateo 19:24-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

24. Ndinotizve zvakareruka kuti ngamera ipinde nepaburi retsono pano mupfumi kuti apinde muumambo hwaMwari.”

25. Vadzidzi vakati vanzwa izvi vakakatyamara zvikuru vakabvunza vachiti, “Ndiani zvino achaponeswa?”

26. Jesu akavatarisa akati, “Kuvanhu izvi hazvigoneki asi kuna Mwari zvinhu zvose zvinogoneka.”

27. Petro akamupindura akati, “Takasiya zvose kuti tikuteverei! Zvino tichawaneiko?”

Mateo 19