Mateo 17:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mushure memazuva matanhatu Jesu akatora Petro naJakhobho naJohani munun'una waJakhobho akakwira navo mugomo refu vari voga.

2. Ipapo akashanduka pamberi pavo. Chiso chake chakapenya sezuva uye nguo dzake dzikachena sechiedza.

3. Pakarepo Mozisi naEria vakangoerekana voonekwa vamire vachitaura naJesu.

4. Petro akati kuna Jesu, “Ishe zvakatinakira kuva pano. Kana muchida ndingavaka matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMozisi nerimwe raEria.”

5. Achiri kutaura kudaro, gore raipenya rakabva ravakwidibira inzwi rikabuda mugore richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wandinodisa, anondifadza. Munzwei!”

6. Vadzidzi vakati vanzwa izvi, vakawira pasi nezviso zvavo vachitya kwazvo.

7. Asi Jesu akauya akavabata. Akati, “Mukai. Musatya.”

8. Pavakasimudza misoro vachitarisa vakazongoona Jesu ava oga.

Mateo 17