Mateo 14:11-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Uye musoro wake wakauyiwa nawo uri mundiro uye ukapiwa kumusikana, iye akaenda nawo kuna mai vake.

12. Vadzidzi vaJohani vakauya vakatora mutumbi wake vakandouviga. Vakazoenda vakandoudza Jesu.

13. Jesu paakanzwa zvakanga zvaitika, akabvapo negwa ari oga akaenda kurenje. Vachinzwa izvi, vanhu vazhinji vakamutevera netsoka vachibva kumaguta.

14. Paakabuda mugwa, Jesu akaona vanhu vazhinji, akavanzwira tsitsi uye akaponesa varwere vavo.

Mateo 14