Maraki 4:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “Zvirokwazvo zuva rinouya; richapisa sechoto. Vose vanozvikudza navaiti vezvakaipa vachava mashanga, uye zuva iro rinouya richavapisa,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Hapana mudzi kana davi zvichasara.

2. Asi kunemi munotya zita rangu, zuva rokururama richabuda rino kuporesa mumapapiro aro. Uye muchabuda muchisvetuka semhuru dzabudiswa muchirugu.

3. Ipapo muchatsikira pasi vakaipa; vachava madota pasi petsoka dzenyu pazuva iro pandichaita zvinhu izvi,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.

Maraki 4