8. musaomesa mwoyo yenyu sezvamakaita paMeribha, sezvamakaita pazuva riya paMasa mugwenga,
9. pandakaedzwa namadzibaba enyu kunyange vakanga vaona zvandakanga ndaita.
10. Ndakatsamwira rudzi urwu kwamakore makumi mana; ndakati, “Ava vanhu vane mwoyo yakatsauka, uye havana kuziva nzira dzangu.”
11. Saka ndakapika pakutsamwa kwangu ndikati, “Havangazombopindi pazororo rangu.”