7. nokuti ndiye Mwari wedu, uye isu tiri vanhu vanofudzwa naye, makwai anochengetwa naye. Nhasi kana muchinzwa inzwi rake,
8. musaomesa mwoyo yenyu sezvamakaita paMeribha, sezvamakaita pazuva riya paMasa mugwenga,
9. pandakaedzwa namadzibaba enyu kunyange vakanga vaona zvandakanga ndaita.
10. Ndakatsamwira rudzi urwu kwamakore makumi mana; ndakati, “Ava vanhu vane mwoyo yakatsauka, uye havana kuziva nzira dzangu.”
11. Saka ndakapika pakutsamwa kwangu ndikati, “Havangazombopindi pazororo rangu.”