Mapisarema 92:9-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Nokuti zvirokwazvo vavengi venyu, imi Jehovha, zvirokwazvo vavengi venyu vachaparadzwa; vaiti vezvakaipa vose vachaparadzirwa.

10. Makasimudzira runyanga rwangu sorwenyati; mafuta akaisvonaka akadururirwa pamusoro pangu.

11. Meso angu akaona kukundwa kwavadzivisi vangu; nzeve dzangu dzakanzwa kuparadzwa kwavavengi vangu vakaipa.

12. Vakarurama vachakura kwazvo somuchindwe, vachakura somusidhari weRebhanoni;

13. wakadyarwa muimba yaJehovha, vachakura kwazvo muvanze dzaMwari wedu.

14. Vacharamba vachibereka zvibereko pakukwegura kwavo, vachagara vari vanyoro uye vari vatsva.

15. Vachiparidza kuti, “Jehovha akarurama; ndiye Dombo rangu, uye maari hamuna chakaipa.”

Mapisarema 92