Mapisarema 9:12-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Nokuti iye anotsiva ropa anorangarira; haashayiri hanya kuchema kwavanotambudzwa.

13. Haiwa Jehovha, onai kuti vavengi vangu vanonditambudza sei! Ndinzwirei ngoni mundisimudze pamasuo orufu,

14. kuti ndiparidze kurumbidzwa kwenyu mumasuo oMwanasikana weZioni, apo pandichafara muruponeso rwenyu.

15. Ndudzi dzakawira mugomba radzakachera; tsoka dzavo dzakabatwa nemimbure yavakaviga.

16. Jehovha anozivikanwa nokururamisira kwake; vakaipa vakateyiwa namabasa amaoko avo.Higayoni Sera

17. Vakaipa vanodzokera kuguva, idzo ndudzi dzose dzinokanganwa Mwari.

18. Asi vanoshayiwa havangagari vachikanganwikwa, uye tariro yavanotambudzwa haingaparari.

19. Simukai, Jehovha, munhu ngaarege kukunda; ndudzi ngadzitongwe pamberi penyu.

Mapisarema 9