Mapisarema 86:4-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Vigirai muranda wenyu mufaro, nokuti kwamuri, imi Ishe, ndinosimudzira mweya wangu.

5. Imi munokanganwira uye makanaka, imi Ishe, muzere norudo kuna vose vanodana kwamuri.

6. Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha; inzwai kuchemera kwangu ngoni dzenyu.

7. Ndichadana kwamuri pazuva rokutambudzika kwangu, nokuti muchandipindura.

8. Haiwa Ishe, hakuna akafanana nemi pakati pavamwari; hakuna mabasa akaita seenyu.

Mapisarema 86