Mapisarema 85:6-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Ko, hamungatimutsiridzizve here, kuti vanhu venyu vagofara mamuri?

7. Tiratidzei ngoni dzenyu, imi Jehovha, mugotipawo ruponeso rwenyu.

8. Ndichateerera zvichataurwa naJehovha Mwari; anovimbisa rugare kuvanhu vake, vatsvene vake, asi ngavasadzokerazve kuupenzi.

9. Chokwadi, ruponeso rwake rwuri pedyo navanomutya, kuti kubwinya kwake kugogara munyika yedu.

10. Rudo nokutendeka zvinosangana pamwe chete; kururama norugare zvinosvetana.

11. Kutendeka kunomera panyika, kururama kunotarira pasi kuri kudenga.

12. Chokwadi, Jehovha achapa zvinhu zvakanaka, uye nyika yedu ichabereka mukoho wayo.

Mapisarema 85