Mapisarema 84:10-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Zviri nani kuva pavazhe dzenyu kwezuva rimwe chete, kupfuura mazuva zviuru ndiri kumwe; ndingada zvangu kuva murindi womukova weimba yaMwari wangu kukunda kugara mumatende avakaipa.

11. Nokuti Jehovha Mwari ndiye zuva nenhoo; Jehovha anopa nyasha nokukudzwa; hapana chinhu chakanaka chaanganyima avo vanofamba zvakarurama.

12. Haiwa Jehovha Wamasimba Ose, akaropafadzwa munhu anovimba nemi.

Mapisarema 84