8. Havazofanani namadzitateguru avo, rudzi rwakanga rwakasindimara uye rwaimumukira, mwoyo yavo yakanga isingateereri Mwari, mweya yavo yakanga isina kutendeka kwaari.
9. Vanhu vokwaEfuremu, kunyange vakanga vakapakata uta, vakadzokera shure pazuva rokurwa;
10. havana kuchengeta sungano yaMwari, uye vakaramba kufamba maererano nomurayiro wake.
11. Vakakanganwa zvaakaita, zvishamiso zvaakavaratidza.
12. Akaita zviratidzo pamberi pamadzibaba avo munyika yeIjipiti, mudunhu reZoani.