Mapisarema 78:13-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Akapamura gungwa akavayambutsa napakati; akaita kuti mvura imire yakasimba sorusvingo.

14. Akavatungamirira negore masikati, uye nechiedza chomoto usiku hwose.

15. Akapamura ruware mugwenga akavapa mvura yakawanda seyamakungwa;

16. akabudisa hova dzemvura paruware akaita kuti iyerere seyenzizi.

17. Asi vakaramba vachingomutadzira, vachimukira Wokumusoro-soro mugwenga.

18. Vakaedza Mwari nobwoni vachimugombedzera kuti avape zvokudya zvavaipanga.

19. Vakapopotera Mwari, vachiti, “Ko, Mwari angawadzira tafura mugwenga here?

20. Paakarova dombo, mvura yakatubuka, uye hova dzakayerera mvura zhinji. Asi angagona kutipawo zvokudya here? Angavigira vanhu vake nyama here?”

21. Jehovha akati avanzwa, akatsamwa zvikuru kwazvo; moto wake ukaveserwa Jakobho, uye hasha dzake dzikamukira Israeri,

22. nokuti havana kutenda muna Mwari kana kuvimba nokurwira kwake.

23. Asi akarayira matenga kumusoro akazarura magonhi okumatenga;

24. akanayisa mana kuti vanhu vadye, akavapa zviyo zvokudenga.

25. Vanhu vakadya chingwa chavatumwa; akavatumira zvokudya zvose zvavaigona kudya.

26. Akazarura mhepo yokumabvazuva kubva kudenga, uye akafambisa mhepo yakabva zasi nesimba rake.

27. Akavanayisira nyama pamusoro pavo seguruva, shiri dzinobhururuka dzakaita sejecha rokumhenderekedzo yegungwa.

28. Akaita kuti dziburukire mumisasa yavo, dzakapoteredza matende avo ose.

29. Vakadya kusvikira vaguta kwazvo, nokuti akanga avapa zvavakanga vachipanga.

30. Asi vasati vafuratira chokudya chavaikarira, kunyange pachakanga chichiri pamiromo yavo,

Mapisarema 78