Mapisarema 78:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Haiwa vanhu vangu, inzwai kudzidzisa kwangu; teererai mashoko omuromo wangu.

2. Ndichashamisa muromo wangu nditaure nomufananidzo, ndichataura zvinhu zvakavanzika, zvinhu zvakare kare,

3. zvatakanzwa nezvatakaziva, zvatakaudzwa namadzibaba edu.

4. Hatingazozvivanziri vana vavo; tichaudza rudzi runotevera mabasa angarumbidzwa aJehovha, simba rake, nezvishamiso zvaakaita.

5. Akatema zvirevo zvaJakobho akasimbisa murayiro muIsraeri, waakarayira madzitateguru edu kuti vadzidzise vana vavo,

6. kuti rudzi runotevera ruzvizive, kunyange vana vachazoberekwa, naivo vagozoudzawo vana vavo.

7. Ipapo vachavimba naMwari wavo uye havangazokanganwi mabasa ake asi vachazochengeta mirayiro yake.

8. Havazofanani namadzitateguru avo, rudzi rwakanga rwakasindimara uye rwaimumukira, mwoyo yavo yakanga isingateereri Mwari, mweya yavo yakanga isina kutendeka kwaari.

9. Vanhu vokwaEfuremu, kunyange vakanga vakapakata uta, vakadzokera shure pazuva rokurwa;

10. havana kuchengeta sungano yaMwari, uye vakaramba kufamba maererano nomurayiro wake.

11. Vakakanganwa zvaakaita, zvishamiso zvaakavaratidza.

12. Akaita zviratidzo pamberi pamadzibaba avo munyika yeIjipiti, mudunhu reZoani.

Mapisarema 78