Mapisarema 74:5-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Vakaita savanhu vanosimudza matemo kuti vateme dondo remiti.

6. Vakaputsa zvose zvakavezwa namatemo avo nembezo.

7. Vakapisira pasi nzvimbo yenyu tsvene; vakamhura ugaro hweZita renyu.

8. Vakati mumwoyo yavo, “Tichavaputsa zvachose!” Vakapisa nzvimbo dzose dzokunamatira Mwari munyika.

9. Hatichaoni zviratidzo zvinoshamisa; hakuna muprofita akasara, pakati pedu hapana munhu anoziva kuti zvicharamba zvakadaro kusvikira rini.

10. Haiwa Mwari, muvengi acharamba achikushorai kusvikira riniko? Ko, muvengi acharamba achimhura zita renyu nokusingaperi here?

11. Munodzoserereiko ruoko rwenyu shure, irwo ruoko rwenyu rworudyi? Rubvisei pamupendero wenguo yenyu muvaparadze!

12. Asi imi, iyemi Mwari, ndimi mambo wangu kubva nakare; imi munouyisa ruponeso panyika.

13. Ndimi makaganhura gungwa napakati nesimba renyu; makaputsa misoro yechikara chomumvura.

14. Ndimi makapwanya misoro yaRevhiatani, mukamuita chokudya chezvisikwa zvomugwenga.

15. Ndimi makazarura zvitubu nehova; mukapwisa nzizi dzaigara dzichierera.

Mapisarema 74