Mapisarema 73:7-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Mumwoyo yavo makasindimara munobuda chitadzo; mifungo yakaipa yendangariro dzavo haina magumo.

8. Vanoseka, uye vanotaura noutsinye mukuzvikudza kwavo, vanoti vachadzvinyirira vamwe.

9. Miromo yavo inoti denga nderavo, uye ndimi dzavo dzinotora nyika.

10. Naizvozvo vanhu vavo vanodzokera kwavari, uye vanonwa mvura yakawanda.

11. Vanoti, “Mwari angazviziva sei? Ko, Wokumusoro-soro ane ruzivo here?”

12. Ndizvo zvakaita vakaipa, havana hanya nguva dzose, vanowedzera pfuma yavo.

13. Zvirokwazvo ndakanatsa mwoyo wangu, asi pasina; ndakashamba maoko angu ndisina mhosva, asi pasina.

14. Zuva rose ndanga ndichitambudzwa; ndinorangwa mangwanani ose.

Mapisarema 73