Mapisarema 73:26-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

26. Nyama yangu nomwoyo wangu zvingapera hazvo, asi Mwari isimba romwoyo wangu nomugove wangu nokusingaperi.

27. Avo vari kure nemi vachaparara; munoparadza vose vasina kutendeka kwamuri.

28. Asi kana ndirini, zvakanaka kuva pedyo naMwari. Ndakaita Ishe Jehovha utiziro hwangu; ndichataura zvamabasa enyu ose.

Mapisarema 73