Mapisarema 73:13-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Zvirokwazvo ndakanatsa mwoyo wangu, asi pasina; ndakashamba maoko angu ndisina mhosva, asi pasina.

14. Zuva rose ndanga ndichitambudzwa; ndinorangwa mangwanani ose.

15. Dai ndakanga ndati, “Ndichataura zvakadai,” ndingadai ndakapandukira vana venyu.

16. Pandakaedza kunzwisisa izvi zvose, zvakandiremera kwazvo

17. kusvikira ndapinda munzvimbo tsvene yaMwari; ipapo ndikazonzwisisa magumo avo.

18. Zvirokwazvo makavaisa munzira inotsvedza; makavakanda pasi kuti vaparare.

19. Haiwa, vanoparadzwa kamwe kamwe, vanopedzwa chose nezvinotyisa!

20. Sezvakaita kurota panopepuka munhu, saizvozvo pamunomuka, imi Ishe, muchavashora savanhu vanorotomoka.

21. Mwoyo wangu pawakachema uye mweya wangu ukashungurudzika,

22. ndakanga ndava benzi uye ndisingazivi; ndakanga ndava mhuka inotyisa pamberi penyu.

23. Kunyange zvakadaro ndinogara nemi nguva dzose; munondibata noruoko rwenyu rworudyi.

Mapisarema 73