Mapisarema 73:13-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Zvirokwazvo ndakanatsa mwoyo wangu, asi pasina; ndakashamba maoko angu ndisina mhosva, asi pasina.

14. Zuva rose ndanga ndichitambudzwa; ndinorangwa mangwanani ose.

15. Dai ndakanga ndati, “Ndichataura zvakadai,” ndingadai ndakapandukira vana venyu.

16. Pandakaedza kunzwisisa izvi zvose, zvakandiremera kwazvo

17. kusvikira ndapinda munzvimbo tsvene yaMwari; ipapo ndikazonzwisisa magumo avo.

18. Zvirokwazvo makavaisa munzira inotsvedza; makavakanda pasi kuti vaparare.

Mapisarema 73