Mapisarema 73:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvirokwazvo Mwari akanaka kuna Israeri, kuna avo vakachena pamwoyo.

2. Asi kana ndirini, tsoka dzangu dzakapotsa dzatsvedza; ndakasara paduku kupunzika.

3. Nokuti ndakaitira shanje vanozvikudza, pandakaona kubudirira kwavakaipa.

4. Havatambudziki; miviri yavo ino utano uye vakasimba.

5. Vakasununguka pamitoro inowanikwa muvanhu; havatambudzwi nezvinotambudza vanhu.

6. Naizvozvo kuzvikudza ndiko ruketani rwemitsipa yavo; vanozvishongedza nechisimba.

7. Mumwoyo yavo makasindimara munobuda chitadzo; mifungo yakaipa yendangariro dzavo haina magumo.

8. Vanoseka, uye vanotaura noutsinye mukuzvikudza kwavo, vanoti vachadzvinyirira vamwe.

9. Miromo yavo inoti denga nderavo, uye ndimi dzavo dzinotora nyika.

10. Naizvozvo vanhu vavo vanodzokera kwavari, uye vanonwa mvura yakawanda.

11. Vanoti, “Mwari angazviziva sei? Ko, Wokumusoro-soro ane ruzivo here?”

Mapisarema 73