3. Makomo achavigira vanhu kubudirira, nezvikomo, chibereko chokururama.
4. Achadzivirira vanonetswa pakati pavanhu, uye achaponesa vana vavanoshayiwa; achapwanya mudzvinyiriri.
5. Achashinga sokuvapo kwezuva, sokuvapo kwomwedzi, kusvikira kumarudzi ose anotevera,
6. achafanana nemvura inonaya pamunda une uswa hwakachekererwa, seguti rinonyorovesa nyika.
7. Pamazuva ake vakarurama vachakura zvakanaka; kubudirira kuchawanda kusvikira mwedzi waguma.
8. Achatonga kubva kugungwa kusvikira kugungwa, uye kubva paRwizi kusvikira kumagumo enyika.
9. Marudzi omugwenga achapfugama pamberi pake, uye vavengi vake vachananzva guruva.