Mapisarema 71:9-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Regai kundirasa pandinenge ndakwegura; musandisiya kana simba rangu rapera.

10. Nokuti vavengi vangu vanotaura zvakaipa pamusoro pangu; avo vakamirira kundiuraya vanorangana pamwe chete.

11. Vanoti, “Mwari amusiya; muteverei mumubate, nokuti hakuna achamununura.”

12. Regai kuva kure neni, imi Mwari; uyai nokukurumidza, imi Mwari wangu, mundibatsire.

13. Vapomeri vangu ngavaparare vanyadziswe; vaya vanoda kundikuvadza ngavafukidzwe nokusekwa nokunyadziswa.

14. Asi kana ndirini, ndichagara ndine tariro; ndicharamba ndichikurumbidzai zvakanyanya.

15. Muromo wangu uchareva zvokururama kwenyu, nezvoruponeso rwenyu zuva rose, kunyange ndisingazivi chiyero charwo.

16. Ndichauya ndichiparidza mabasa enyu makuru, imi Ishe Jehovha; ndichaparidza kururama kwenyu, iyemi moga.

Mapisarema 71