Mapisarema 71:8-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Muromo wangu uzere nerumbidzo yenyu, ndinoparidza kubwinya kwenyu zuva rose.

9. Regai kundirasa pandinenge ndakwegura; musandisiya kana simba rangu rapera.

10. Nokuti vavengi vangu vanotaura zvakaipa pamusoro pangu; avo vakamirira kundiuraya vanorangana pamwe chete.

11. Vanoti, “Mwari amusiya; muteverei mumubate, nokuti hakuna achamununura.”

Mapisarema 71