Mapisarema 7:7-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Ndudzi dzakaungana ngadziungane dzakakupoteredzai. Vatongei imi muri kumusoro;

8. Jehovha ngaatonge marudzi. Nditongei, imi Jehovha, zvakafanira kururama kwangu, Zvakafanira kukwaniswa kwangu, imi Wokumusoro-soro.

9. Haiwa, Mwari akarurama, iyemi munonzvera ndangariro nomwoyo, gumisai kuita nesimba kwavakaipa mugoita kuti vakarurama vagare zvakanaka.

10. Nhoo yangu ndimi Mwari Wokumusoro-soro, iye anoponesa vane mwoyo yakarurama.

11. Mwari ndiye mutongi akarurama, iye Mwari anoratidza hasha dzake zuva nezuva.

12. Kana munhu asingatendeuki, iye acharodza munondo wake; achakunga uta hwake nokuhugadzira.

13. Agadzirira zvombo zvake zvinouraya; anozvigadzirira miseve yake inopisa.

14. Iye ane mimba yezvakaipa akatakura mimba yokutambudzika achabereka nhema.

Mapisarema 7