Mapisarema 7:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Haiwa Jehovha, Mwari wangu, ndinovanda mamuri; ndipone uye mundirwire pana vose vanondidzinganisa,

2. kuti varege kundibvambura seshumba nokundibvambura-bvambura pasina anondinunura.

3. Haiwa Jehovha, Mwari wangu, kana ndichinge ndakaita izvi uye ndine mhosva pamaoko angu,

4. kana ndakaita zvakaipa kuno uya akanga ane rugare neni kana kupamba muvengi wangu pasina mhaka,

5. ipapo muvengi wangu ngaandidzinganise andibate; ngaatsike-tsike upenyu hwangu muvhu uye andivatise muguruva.

6. Simukai, imi Jehovha pakutsamwa kwenyu; simukai murwise hasha dzavavengi vangu. Simukai, Mwari wangu; rayirai kururamisira.

7. Ndudzi dzakaungana ngadziungane dzakakupoteredzai. Vatongei imi muri kumusoro;

8. Jehovha ngaatonge marudzi. Nditongei, imi Jehovha, zvakafanira kururama kwangu, Zvakafanira kukwaniswa kwangu, imi Wokumusoro-soro.

9. Haiwa, Mwari akarurama, iyemi munonzvera ndangariro nomwoyo, gumisai kuita nesimba kwavakaipa mugoita kuti vakarurama vagare zvakanaka.

10. Nhoo yangu ndimi Mwari Wokumusoro-soro, iye anoponesa vane mwoyo yakarurama.

11. Mwari ndiye mutongi akarurama, iye Mwari anoratidza hasha dzake zuva nezuva.

Mapisarema 7