Mapisarema 69:16-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Ndipindurei, imi Jehovha, zvichibva pakunaka kworudo rwenyu; dzokerai henyu kwandiri nokuda kwetsitsi dzenyu huru.

17. Regai kuvanzira muranda wenyu chiso chenyu; ndipindurei nokukurumidza, nokuti ndava mudambudziko.

18. Swederai pedyo mundinunure; ndidzikinurei nokuda kwavavengi vangu.

19. Munoziva kusekwa kwangu, kunyadziswa nokusakudzwa kwangu; vavengi vangu vose vari pamberi penyu.

20. Kusekwa kwaputsa mwoyo wangu, uye kwandisiya ndisisina chingandibatsira; Ndakatsvaka vangandinzwira ngoni, asi ndakavashaya, vangandinyaradza, asi ndakavashayazve.

21. Vakaisa nduru mune zvokudya zvangu, uye vakandipa vhiniga pandaiva nenyota.

22. Tafura yagadzirwa pamberi pavo ngaive musungo; ngaive shamhu yokuranga neriva.

23. Meso avo ngaapofumadzwe kuti varege kuona, uye misana yavo iminame nokusingaperi.

24. Dururirai hasha dzenyu pamusoro pavo; kutsamwa kwenyu kunotyisa ngakuvakurire.

25. Nzvimbo yavo ngaisiyiwe; ngaparege kuva nomunhu anogara mumatende avo.

26. Nokuti vanotambudza vaya vamakarova, uye vanotaura pamusoro pokurwadziwa kwavakakuvadzwa nemi.

Mapisarema 69