20. Mwari wedu ndiMwari anoponesa; kupunyuka parufu kunobva kuna Ishe Jehovha.
21. Zvirokwazvo Mwari achapwanya misoro yavavengi vake, panhongonya dzine vhudzi dzaavo vanorambira muzvivi zvavo.
22. Ishe anoti, “Ndichavabvisa kubva kuBhashani; ndichavabudisa kubva kwakadzika kwegungwa,
23. kuti unyike tsoka dzako muropa ravavengi vako, ndimi dzembwa dzako dzichiwanawo mugove wadzo.”