Mapisarema 68:14-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Wamasimba Ose paakaparadzira madzimambo munyika, zvakanga zvakaita sechando chawira pamusoro peZarimoni.

15. Makomo eBhashani makomo oushe; makomo eBhashani akati twi.

16. Munotaririreiko negodo, imi makomo akati twi, pagomo rakasarudzwa naMwari kuti atongepo, pachagarwa naJehovha pachake nokusingaperi?

17. Ngoro dzaMwari dzinosvika makumi ezviuru nezviuru zvezviuru; Ishe akasvika panzvimbo yake tsvene achibva kuSinai.

18. Pamakakwira kumusoro, makatungamirira vatapwa mumudungwe wenyu; mukagamuchira zvipo zvaibva kuvanhu, kunyange zvaibva kuna vakapanduka, kuti imi, iyemi Jehovha Mwari, mugarepo.

19. Ishe ngaarumbidzwe, Mwari Muponesi wedu, anotakura mitoro yedu zuva nezuva. Sera

Mapisarema 68