6. Akashandura gungwa rikava nyika yakaoma, vakafamba nomumvura zhinji netsoka dzavo, uyai, ngatifarei maari.
7. Anotonga nokusingaperi nesimba rake, meso ake anocherechedza ndudzi, vanomumukira ngavarege kumisidzana naye. Sera
8. Rumbidzai Mwari wedu, imi vanhu, inzwi rokurumbidzwa kwake ngarinzwike;
9. iye akachengetedza upenyu hwedu netsoka dzedu kuti dzirege kutedzemuka.
10. Nokuti imi, iyemi Mwari, makatiedza; mukatinatsa sesirivha.
11. Makatipinza mutorongo mukatitakudza mitoro pamisana yedu.
12. Makabvumira vanhu kukwira pamisoro yedu; takapinda mumoto nomumvura, asi makatiisa kunzvimbo ine zvakawanda.
13. Ndichauya nezvibayiro zvinopiswa kutemberi yenyu, ndigozadzisa mhiko dzangu kwamuri,
14. mhiko dzandakavimbisa nemiromo yangu, uye muromo wangu wakataura pandakanga ndiri munhamo.
15. Ndichakubayirai mhuka dzakakora nechipiriso chamakondohwe; ndichabayirawo hando nembudzi. Sera
16. Uyai munzwe, imi mose munotya Mwari; regai ndikuudzei zvaakandiitira.