Mapisarema 66:17-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Ndakachema kwaari nomuromo wangu; rumbidzo yake yaiva parurimi rwangu.

18. Dai ndakanga ndaviga chivi mumwoyo mangu, Ishe aidai asina kundinzwa;

19. asi zvirokwazvo Mwari akateerera akanzwa inzwi rangu mumunyengetero.

20. Mwari ngaarumbidzwe, iye asina kuramba munyengetero wangu. Kana kudzivisa rudo rwake kwandiri!

Mapisarema 66