Mapisarema 66:15-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Ndichakubayirai mhuka dzakakora nechipiriso chamakondohwe; ndichabayirawo hando nembudzi. Sera

16. Uyai munzwe, imi mose munotya Mwari; regai ndikuudzei zvaakandiitira.

17. Ndakachema kwaari nomuromo wangu; rumbidzo yake yaiva parurimi rwangu.

18. Dai ndakanga ndaviga chivi mumwoyo mangu, Ishe aidai asina kundinzwa;

Mapisarema 66