Mapisarema 66:13-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Ndichauya nezvibayiro zvinopiswa kutemberi yenyu, ndigozadzisa mhiko dzangu kwamuri,

14. mhiko dzandakavimbisa nemiromo yangu, uye muromo wangu wakataura pandakanga ndiri munhamo.

15. Ndichakubayirai mhuka dzakakora nechipiriso chamakondohwe; ndichabayirawo hando nembudzi. Sera

16. Uyai munzwe, imi mose munotya Mwari; regai ndikuudzei zvaakandiitira.

17. Ndakachema kwaari nomuromo wangu; rumbidzo yake yaiva parurimi rwangu.

18. Dai ndakanga ndaviga chivi mumwoyo mangu, Ishe aidai asina kundinzwa;

19. asi zvirokwazvo Mwari akateerera akanzwa inzwi rangu mumunyengetero.

20. Mwari ngaarumbidzwe, iye asina kuramba munyengetero wangu. Kana kudzivisa rudo rwake kwandiri!

Mapisarema 66