13. Ndichauya nezvibayiro zvinopiswa kutemberi yenyu, ndigozadzisa mhiko dzangu kwamuri,
14. mhiko dzandakavimbisa nemiromo yangu, uye muromo wangu wakataura pandakanga ndiri munhamo.
15. Ndichakubayirai mhuka dzakakora nechipiriso chamakondohwe; ndichabayirawo hando nembudzi. Sera
16. Uyai munzwe, imi mose munotya Mwari; regai ndikuudzei zvaakandiitira.
17. Ndakachema kwaari nomuromo wangu; rumbidzo yake yaiva parurimi rwangu.
18. Dai ndakanga ndaviga chivi mumwoyo mangu, Ishe aidai asina kundinzwa;
19. asi zvirokwazvo Mwari akateerera akanzwa inzwi rangu mumunyengetero.
20. Mwari ngaarumbidzwe, iye asina kuramba munyengetero wangu. Kana kudzivisa rudo rwake kwandiri!