Mapisarema 66:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Danidzirai nomufaro kuna Mwari, imi nyika yose!

2. Imbirai mukurumbira wezita rake; murumbidze zvikuru kukudzwa kwake!

3. Muti kuna Mwari, “Mabasa enyu anotyisa sei! Simba renyu iguru zvokuti vavengi venyu vanodedera pamberi penyu.

4. Nyika yose inokukotamirai; vanokuimbirai nziyo dzokurumbidza, vanoimba nziyo dzokurumbidza zita renyu.” Sera

5. Uyai muone zvaitwa naMwari, mabasa ake anotyisa sei pakati pavanhu!

6. Akashandura gungwa rikava nyika yakaoma, vakafamba nomumvura zhinji netsoka dzavo, uyai, ngatifarei maari.

7. Anotonga nokusingaperi nesimba rake, meso ake anocherechedza ndudzi, vanomumukira ngavarege kumisidzana naye. Sera

8. Rumbidzai Mwari wedu, imi vanhu, inzwi rokurumbidzwa kwake ngarinzwike;

9. iye akachengetedza upenyu hwedu netsoka dzedu kuti dzirege kutedzemuka.

10. Nokuti imi, iyemi Mwari, makatiedza; mukatinatsa sesirivha.

11. Makatipinza mutorongo mukatitakudza mitoro pamisana yedu.

12. Makabvumira vanhu kukwira pamisoro yedu; takapinda mumoto nomumvura, asi makatiisa kunzvimbo ine zvakawanda.

Mapisarema 66