Mapisarema 64:5-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Vanokurudzira mumwe nomumwe wavo pakufunga zvakaipa, vanotaura pamusoro pokuteya misungo yavo, uye vanoti, “Ndianiko achaiona?”

6. Vanorangana kusaruramisira vachiti, “Tafunga zano rakakwana!” Zvirokwazvo mwoyo nomurangariro womunhu zvinonyengera.

7. Asi Mwari achavapfura nemiseve; pakarepo vachawira pasi.

8. Achaita kuti ndimi dzavo dzivashandukire, uye achavaisa pakuparadzwa; vose vanovaona vachavadzungudzira misoro vachivaseka.

9. Marudzi ose avanhu achatya; achaparidza mabasa aMwari, uye achafungisisa zvaakaita.

10. Vakarurama ngavafare muna Jehovha uye vavande maari; vose vakarurama mumwoyo ngavamurumbidze!

Mapisarema 64