Mapisarema 61:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Inzwai kuchema kwangu, imi Mwari; rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu.

2. Kubva kumigumo yenyika, ndinodanidzira kwamuri, ndinodana sezvo mwoyo wangu woziya; nditungamirirei kudombo rakareba kundipfuura.

3. Nokuti imi makanga muri utiziro hwangu, shongwe yakasimba pamusoro pavavengi vangu.

4. Ndinopanga kugara mutende renyu nokusingaperi, uye nokuvanda mumumvuri wamapapiro enyu. Sera

Mapisarema 61